• Home
  • Zimbabwe Political Crimes
    • Marange Massacre
    • Gukurahundi Massacre
    • Murdered
  • In Exile
    • South Africa
    • 2008 Murders
    • Canada
    • Botswana
    • Namibia
    • United Kingdom
    • Asia
    • USA
    • Australia
  • About Us
  • Contact Us
  • Donate
  • Mitupo Totems
    • Mitupo A - H
    • Mbano Matemavi
    • Mbuya Chikonamombe
    • Mhlanga Dhuve
    • Vana Moyo
    • Musoni Shinda
    • Mutonga Mupamombe
    • Ngara WaMambo
    • Nhari Unendoro
    • Nhewa Simboti
    • Nzou Samanyanga
    • Shava
    • S -
    • Vana Shumba
    • Vana Soko
    • Tembo Mazvimbakupa
    • Tsivo Gushungo
    • Zenda Simbirori
  • Home
  • Zimbabwe Political Crimes
    • Marange Massacre
    • Gukurahundi Massacre
    • Murdered
  • In Exile
    • South Africa
    • 2008 Murders
    • Canada
    • Botswana
    • Namibia
    • United Kingdom
    • Asia
    • USA
    • Australia
  • About Us
  • Contact Us
  • Donate
  • Mitupo Totems
    • Mitupo A - H
    • Mbano Matemavi
    • Mbuya Chikonamombe
    • Mhlanga Dhuve
    • Vana Moyo
    • Musoni Shinda
    • Mutonga Mupamombe
    • Ngara WaMambo
    • Nhari Unendoro
    • Nhewa Simboti
    • Nzou Samanyanga
    • Shava
    • S -
    • Vana Shumba
    • Vana Soko
    • Tembo Mazvimbakupa
    • Tsivo Gushungo
    • Zenda Simbirori

Shava Mazarura

Maita Shava

Mazarura

Mwana waRwizi mukonde

VeMadzure

Muti mutema Chitungwiza

Maita Mazarura

Mukombe wendye

Vokwanyangenyange

Vakanyanga churu namate

VokwaMuchenje wachuru

Vari Madzure mukonde

Aiwa zvaitwa Mazarura

Mwana waRwizi

Shava mhizha

Maita Mhizha

Zvaitwa Nhuka

Maita Mukonde wangu uyu

Vamangurirambezhu vava

Vasingabati mbezhu neshangwa

Maita Mhizha yangu iyi

Mupaya, waMabweadziva

Vakadzivira Dzimbabwe kwaMwari

Maita vari Bvumbura

Aiwa zvaonekwa Shava yangu iyi.

Shava mufakose

Maita Shava

Maita Mufakose, vokwaNyamhangambiri

Maita Chidavarume

Vanotokundwa pakusakura

Pavakadzi pasina anovakunda

Maita mwana waHwata

Mukonde wangu uyu. 

Maita veGomba vakabva kwaNyashanu

Mwana waShirichirima, Ano mutsa nengoni

Akaitira ngoni vakanga vatandwa

Akavadzorera muShavarunzwe

Maita vokwaSadzadete, Gobvu rinokonza chitsi

Maita Gurudza vokwatsangadzi Isakacherwa ikapera

Maita mhuka yangu iyi, Matuka, mhofu yomukono

Kudya mhofu kudya munyepfu

Kudya bvupa meno omokotoka

Aiwa zvaonekwa Shava yangu iyi

Tatenda mwana waHwata.  

Shava museyamwa

Maita Shava Mhofu yomukono Ziwewera

VokwaMutekedza, vakatekedzana paJanga

Vakapihwa vakadzi munyika yavaNjanja

Maita mhukahuru, Shava yangu iyi

Hekani Mutekedza, vari uHera Mukonde

Zvaitwa Mhukahuru, vemiswe inochenga miviri

Zienda netyaka, mutunhu une mago

Vanovangira vashura vhu, kutsivira mutumbi

Chidavarume, vanovhimwa navanonyanga

Vakakamonera vakadzi dzenhema

Vanomonera vakadzi dzamangondi

Vanochemera wavatanga

Vanemisodzi isodonha pasi

Kuti yadonha yoda nhevedzo yaro romunhu ropa

Tinotenda vari Matenhere

Vari pazvikomo zveMbwenya

Maita veTsambo chena

Mhofu yomukono

Kuyambuka rwizi mvura yakwira makomo

Totenda voMuchimbare, veGuruuswa

Vanenzanga chena kunge mwedzi wejenachena

Maita Museyamwa, Nhuka yangu iyi

Kuziva zvenyu vaShava Mukonde, vari Gombe

Zvaonekwa vahombarume, zvaitwa Mbiru

Aiwa, zvaonekwa Sarirambi, zvaitwa Nyashanu.

Shava mutenhesanwa

Maita Mutenhesanwa

Shava yangu iyi

Zvaitwa mwana waChiweshe

Mugova wakarasika

Mutsika pane mbiri

Mhandamakan’a

Marambakukundwa

VokwaMutovamombe

Makatova mombe neshamhu ikamuka

Hekani Masvinga

Dzvangaranga, Venzanga chena

VaChimbare

Chidavarume

Maita Nhuka, Mhukahuru

Maita VaShava, VeGumbakumba

Vepfupa gobvu

Maita Shava, Mukonde wangu uyu

Mwana waMbiru wakabva Rwira

Maita vokwaSadzadete

Gobvu rinodzipa mwana

Aiwa zvaonekwa Nechombo Mwana wachiweshe.  

Shava mwendamberi

Maita Shava Mwendamberi

Maita vokwaGwenzi rakavita mambo VeChitemberere

Maita Mvurayadzongwa Matangakunwa Shava yangu iyi

Vari shure vanomwa mabvongwe

Varimberi vachinwa tsvene

Nyahunzvi, Shava yangu iyi

Zvaitwa vari Tsonzo

Vana vaChikono chengwe VokwaZongororo kunava

Ariona ati rakafa

Zvaitwa veChitemberere

Vaera mhofu

VokwaMazurukuwanda, kurimugukwa

Maita VaKarimudunhu uchizvinwzira

Zvaitwa VaShava vana vaChivero

Aiwa zvaonekwa Mendamberi.

Shava nyakudirwa

Maita Masvinga

Hekani Muchamaya

Zvaitwa mwana waKache 

Tinoenda Mhukahuru

Maita vari Shangure

Kuziva zvenyu vari Chikwidibire

Maita matateguru

Vari Chamukwenjera

Zvaitwa vari Maware

Hekani Gurudza

Vokwa Tungebwe, vokwaMuchenje

Hekani Bonda

Mhofu yangu iyi

Zvaonekwa mwana waMusanyange

Maita Makanganya

Maguhwu

Tinotenda mwana waMukunyadzi naNyanzira

Varandutsira vamwe pfumo rauya 

Richibva kune imwe nyika

Aiwa zvaitwa Nhuka.

Shava vhuramavi

Zuruvi Vhuramavi

VaSeke Mukonde

VaVhanganyama

Vakavhanga nyama nohwahwa

Maita VaSeke

Chikove

Chidziva china masahwa

Maita waZengeza

Vokwa Sadzadete

Gobvu rinokonza chitsi

Zvaitwa Chinerembe

Evo Masvinga

Ziwewera

VokwaMuchenje, vokwaMunakirapasi

Maita zvenyu Zuruvi

Kuziva zvenyu vari Nharira

Tinotenda vari Zvipindu

VaHara vokwaSeke

Vari Rare

Aiwa zvaitwa Vhuramavi.

Copyright © 2022 KweseNews.com - All Rights Reserved.

Powered by

  • Privacy Policy

Survivors

Do you have a story to share?

Tibate titaure

This website uses cookies.

We use cookies to analyze website traffic and optimize your website experience. By accepting our use of cookies, your data will be aggregated with all other user data.

DeclineAccept