• Home
  • Zimbabwe Political Crimes
    • Marange Massacre
    • Gukurahundi Massacre
    • Murdered
  • In Exile
    • South Africa
    • 2008 Murders
    • Canada
    • Botswana
    • Namibia
    • United Kingdom
    • Asia
    • USA
    • Australia
  • About Us
  • Contact Us
  • Donate
  • Mitupo Totems
    • Mitupo A - H
    • Mbano Matemavi
    • Mbuya Chikonamombe
    • Mhlanga Dhuve
    • Vana Moyo
    • Musoni Shinda
    • Mutonga Mupamombe
    • Ngara WaMambo
    • Nhari Unendoro
    • Nhewa Simboti
    • Nzou Samanyanga
    • Shava
    • S -
    • Vana Shumba
    • Vana Soko
    • Tembo Mazvimbakupa
    • Tsivo Gushungo
    • Zenda Simbirori
  • Home
  • Zimbabwe Political Crimes
    • Marange Massacre
    • Gukurahundi Massacre
    • Murdered
  • In Exile
    • South Africa
    • 2008 Murders
    • Canada
    • Botswana
    • Namibia
    • United Kingdom
    • Asia
    • USA
    • Australia
  • About Us
  • Contact Us
  • Donate
  • Mitupo Totems
    • Mitupo A - H
    • Mbano Matemavi
    • Mbuya Chikonamombe
    • Mhlanga Dhuve
    • Vana Moyo
    • Musoni Shinda
    • Mutonga Mupamombe
    • Ngara WaMambo
    • Nhari Unendoro
    • Nhewa Simboti
    • Nzou Samanyanga
    • Shava
    • S -
    • Vana Shumba
    • Vana Soko
    • Tembo Mazvimbakupa
    • Tsivo Gushungo
    • Zenda Simbirori

shumba gurundoro

Evoi Shumba

Gurundoro

Zvaitwa vaMbari, maita vaDupwa

VaSamaringa

Mhonderapachena Yakapondera pasina gwenzi

Zvaitwa Shumba yangu iyi

Maita Mhonda

Maita vari Dziva raSekwa

Kuziva zvenyu vechikomo cheHarare

Waita mwana waMbari

Mukonde wangu uyu

Maita zvenyu vaera shumba nembada

Mbada inamavaramavara

Isakananvza ichisiya rimwe vara rayo

Haiti iri idema iri idzvuku

Maita vomudziva ravaSekwa

Maita vaDombwe

Aiwa maita zvenyu mhuru yoMutoko

Zvaitwa, zvaonekwa mwana waMbari

Shumba yangu iyi

Gurundoro.  

shumba jichinza

Maita Shumba

Hekani Mushereketi

Maita Jichidza

Hekani Chibwa

Hekani Bumhi

Zvaitwa Shumba

Vapungaidzi venyunyu

Vofamba kuravira

Maita VaNyandairi

Matikaha, Kuona chiso

Ndokuvhunduka

Hekano VaChibari

Zvaitwa Gongoma

Maita mashavi okuvhima

VaMudzvovandiripamhene

Varidzi vamatondo

VaMuvhimazhizhanechirimo

Zvokuvata masanga

Aiwa zvaonekwa Mudzvovakamwe

Zvaitwa Jichidza.

shumba mhazi

Maita Shumba

Zvaitwa Mhazi

Mhondi inopondera pasina gwenzi

Hekani Mukanyairi

Maita vakuru vamasango

Vanovhundutsa vamwe nomukanya uri muzenze Vamadzvovera

Vabanduri vamapfupa

Vana meso anozezesa kuringa

Mukakatira kwasviba

Vapondi vezvipenyu zvinozvifambira

Hekanhi Mupwanyanzombe

Mudyandichiomba

Mudzvovakamwe

Mufa ndichiomba

Vezvitere zvikwatakwata

Zvinenge zvizinga zvouchi

Kuridza mutsindo pasi pasakara

Zvaitwa Chiurayi

Jenamuromo dehwe rehosi

Tatenda vaChamakanda, vaRuminu, vaZverungu

Venyika izere mashisha namadu

Inomera nhemayakanda

Vamahonyera

Mhukahuru

Vatangi vemhuri inemukurumbira

Jinda Mutasa

Zvaitwa Tembo yangu iyi

Aiwa zvaonekwa weMhazi.

shumba murambwi

Maita Murambwi

Maita Shumba

Matikaha, Kuona chiso

Hekanhi chibwa, Mushereketi

Vadzimba vedu, variritiri

Mutsikapanyoro, vana vaChivi

Vakanyairi, vadyi vemhuka

Maita Shumba yangu iyi

Hekanhi bumhi rangu iri

Maita vaMhari, Chipamutoro

Vari Nyaningwe

Vari Chamahota

Maita VaMhungudza

Vari Baradzanawa

Zvaonekwa vaMhari, variChitonje

Vanomuka ngwe namasikati

Zvaitwa Matikaha nokuone gumbo

Kuone munhu vanovhunduka

Maita varere Baradzanwa

Kwakaparadzanwa baba afa

Hekanhi Mhungubwe yangu iyi

Zvaitwa mwana waChivi

Aiwa zvaonekwa Mhungubwe, vaNyamukanga

Makovere

Zvaitwa muNyaningwe

Chibwa.

shumba nyamuzuhwa

Maita Nyamuzihwa Shumba

Hara, maita Muchori

Maita waNanga wasina mhezi

Wakabva Buja nembondwe

Maita Nechinanga, muzukuru waChakoreka. 

Ewo Bonga, waChingate

Muzukuru waMapahwe, wari Choma

Ewyi Shumba, maita Hara

Maita Nonga rangu iri

Maita Nyamuzihwa, maita wari Mangadza. 

Maita wari Dombojawa rina mawara machena

Dombo rakaramba kumera uswa nemiti

Rinoti kukwira munokwira namabvi

Rina makwapamakwapa anenge nzira

Maita zvenyu Shumba

Chikanda changu chichi

Maita waTsuri wamasawara

Kana musipo hapana chinochekwa

Maita Chiurayi, hekani Chikanda

Mwana waMukombwe naNehoreka

Chipfuyawarombo, hekani waNjapa

Maita Mutumbe, Donga, wari Man’anja, Samanyara

Zvaitwa Kondovha asingachariki mvura

Mwana waChinyanga, asingaje imwe mbeu

Kusiya kwezviyo chete. Maita wari Tsatsa Mukonde, Aiwa zvaonekwa Nyamuzihwa

Tikafira pano wani.

shumba sipambi

Mazviita Shumba

Maita Sipambi

Yakapamba nedzevamwe

Vadyi vefazhakamwe 

Inodyarwa ikamera

Maita matikaha nokuona tsimba

Kuona munhu vana vanotya

Mukakatirakwasviba

Kumuka ndodzvova, kutsika zvovava

Mutakuranhawo kuno munhuhwi

Sipambi, mwana wechikara

Chokanyaira chobva Magare

Choinda Imbwarume chisina uta

Zvaitwa varidinhire Chigarachibwe

Vari Magare VaMupfurawatya

Mazviita Mugonderwa

VokwaMusakadongo, veShanje 

Vari Madzimudzangara

Vari Sikanadema

Zvaitwa vaTakaindisa naMuzuva

Vari Chaenda vari Ruvhure

Waita Charumbira Zvigonyati zvangu zvizvi

Haiwa zvaitwa vaNhinhi, vari Nhinhihuru 

Maita saminzwa, zvaonekwa vari Nyanda

Copyright © 2022 KweseNews.com - All Rights Reserved.

Powered by

  • Privacy Policy

Survivors

Do you have a story to share?

Tibate titaure

This website uses cookies.

We use cookies to analyze website traffic and optimize your website experience. By accepting our use of cookies, your data will be aggregated with all other user data.

DeclineAccept